close
Svetuka kuchirochemo

Peji Rekutanga

Kubva Wikipedia
Mugovera, Kubvumbi 18, 2026
BERJAYA
Kwaziwai, Kwaziwai
Tikutambirei kuWikipidhiya!
Duramazwi re mahara, chero munhu anogona kuuya achiwedzera ruzivo rwaanawo kana kushandura mazanhi emimwe mitauro kuisa muChishona.

Parizvino tine zvinyorwa 11,567 zvakanyorwa ne Chishona.

Munoda kuona Wikipedhiya yedu senwadhi here? Dzvanyai Pano!
BERJAYA
Taramhenyu
BERJAYA
Chinamato
BERJAYA
Masvomhu
BERJAYA
Nhoroondo
BERJAYA
Tarachisi
BERJAYA
Nzanga
BERJAYAMhanzi
BERJAYA
Mutauro
BERJAYA
Useza
BERJAYA
Sainzi
BERJAYA
Ruambarueza
BERJAYA
Uvaki
BERJAYA
BERJAYA
BERJAYA
Musha uno ndewedu vatauri veChivanhu, mutauro weChiShona, muno muWikipedhiya.

Wikipedhiya chinyorwa chepadanhautande chinounganidzwa ungwaru, ruzivo nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvayo erino pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo nohunyanzvi rive rinonyogwa mururimi rwaamai. Basa iri ngatiritange nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vavowo, zvichingoenda, ziyenda nakuenda.

Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena ainzi Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu.

Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere zvinyogwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi.

Kana muchida kuziva zvakawanda nezvehumwe yeWikipediya endai panzvimbo yemudandira iyi www.wikipedia.org

Tsvakai muwedzere ruzivo rwenyu nezve Kuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro rudzi muWikipedhiya

BERJAYA
BERJAYA
BERJAYA
BERJAYA
Nehanda Nyakasikana


"Aah! Nehanda Nyakasikana!

Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichitambudzika;
Mweya Unoera!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?
Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;
Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?
Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,
Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,
Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;
Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;
Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,
Ko, isu rugare ruchatisvika riniko?
Vana vacheche vatinobereka,
vawakatipa Iwe Samasimba,
vanova ndivo vadyi venhaka dzedu,
nhasi vokura vakasunzumara munyika yavo,
Voshaya nzvimbo dzokurarama nokuzvidekadza?
Apa nepapo pazere rufuse,
Makumbo avo ane matuzu nokupfuviswa neriri pfumojena.
Ko, vosvikepiko?
Mudzimba dzose nomumisha yose vari kutandwa pamwe nokurohwa;
Munzvimbo dzose nomumatare mose avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi,
Pasina chikonzero, pasina mhosva
Pfuma yenyika nhasi yakatorwa vakagovana paukama hwavo vepfumojena.
Nhasi vari kudya mafuta ayo nyika
Isu tichidya nhoko dzezvironda
Nhasi vari kudya, vakora sehochi
Isu toondoroka sembwa ine gwembe
Nhasi vagere murusununguko
lsu todzipwa huro nemajoto
Rusununguko, Nehanda, ndorupi?
Hamungaburukirewo kwatiri here?
Harahwa dzedu dzobatwa sepwere
Munyika yawavapa, musiki mugoni!
Havasisina rukudzo panyika.
Havasisina chavanacho
Dambudziko guru ndiro ravawira
Baba mutsvene!
Gomo rine ngoni!
Hamungotinzwawo kuchema kwedu here?
Tine chitadzo chakakura sei
Chokubva matiramwa zvakadai?
Nehanda Nyakasikana!
Kunozova riniko?
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa

Neriri pfumojena rasvika munyika.
~ Nhetembo iyi yakatogwa kubva mubhuku rinonzi, Feso, rakanyogwa naVaSolomon Mutswairo (mugore ra1956).
BERJAYA
Mfananidzo weVhiki
BERJAYA
BERJAYA
BERJAYA
BERJAYA
Zvidzidzo
Maziwumbe: Ezhiya · Afurika · Amerika Maodzanyemba · Amerika Chamhembe · Anthakitika · Yuropu · Ostireriya

Nyika: Angola · Vutswana · Zimbabwe · Namibhiya · Ijipita · Tanzania · Naijeriya · Rhashiya · Furanzi · Speini · Kanadha · Mehiko · Jerumani · Chayina · Raosi · Makawo · Jorodhani · Omani · Yemeni · Neparu

BERJAYA
Mitauro: Chishona · Chindau · Chizulu · Chispeini · Chiarabhu · Chiswahiri · Chihausa · Chirhashiya · Chifurenji · Chiputukezi · Chibhunu · Chichayina · Chijapani · Chingezi · Chihindi · Chiaramu · Chin'ko · Chindevere · Chibuja (Chibudya)
BERJAYA
Vashona: Vakaranga (munhoroondo ye Chivhenda/Vasenzi, Valaudzi, Vandalamo, Vamasingo), Vazezuru, Vakorekore, Vabuja, Vamanyika, Vandau, Vadoma, Vatavara, Vahungwe, Vambire, Vanyai, Varozvi, Vakalanga, Vanambya, Vatalaote

Madzinza: Vazulu, Vaswahiri, Vavhenda, Vandeḅele, Vandebele, Vanyarwanda, Vatonga, Vakongo, Vachewa, Vaxhosa, Vayorubha, Vaigbho, Vahausa, Vaakani, Vafulani

BERJAYA
Zvinamato: Uchivanhu (Vashona) · Ukristu (Vakristu) · Uyisalama (Vasalama) · Uhindu· Ujudha (Vajudha) · Ubhudha · Usikhi · Utao (Udhao)) · Ukonfuzhi (Konfuzhi) · Ubhaha'i (Ubhahá'í) · Ushintho · Ujaini · Uzoroasti · Zvinamato zvemuAfurika
BERJAYA
Tsika: Roora · Chisi · Karenda ye Chivanhu (Mwedzi ne Mavhiki) ·

Mhanzi: Jiti, Dancehall, Afrobeats, Sungura, Tuku (Afrojazz)

Chikafu: Sadza · Mbambaira · Manhuchi · Maputi · Mabhanzi · Madora · Bota · Derere · Mupunga · Muriwo · Hohwa · Masau · Nyimo · Nyemba

BERJAYA
Upanganyeredzi: Gwararezhou · Muzvcazi · Kozemosi · Chadenga · Zvindeya · Nyeredzi · Unganyeredzi · Zuva · Mwedzi · Chisimira · Ndemara · Rinyanga · Nguruvenembwa · Mazhara · Maguta ·

Mivara: Ungu · Zerere · Tsvuku · Kiwani · Hute · Huroro · Tema · Ranjisi · Mbise · Chena · Nundu · Shava · Pfumbu · Farata · Punje · Fuvana · Suso · Shora · Chichiri · Fifu · Svundu ·

BERJAYA
Simbi: Utare · Mhangura · Ndarira · Zeng'e · Ndarama · Darejena · Mutobvu · Aluminiyamu · Platinamu · Niyakari

Mizanodzamu ("concepts"): Zanodzamu . Zvose · Upasina · Uzima · Rudo · Ruvengo · Hunaku · Uvi · Rima · Chiedza · Kuyera (Utsvene) · Ruhana ·Mweya (wemunhu) · Rusvinuko · Hupenyu · Rufu · Pfungwa · Hana · Nhu · Moyo · Mbune · Umbimba (igo) · Chivi

BERJAYA

Kuti muwane zvimwe zvinyorwa tarirai linki ye zanhi dzasiyo:

Makarenda e Mwedzi uno
Karenda ya Gregori Karenda ye Chivanhu
BERJAYA
Chidzidzo cheVhiki Rino:
BERJAYA
Tsvigiri (Chirungu: sugar) tsvikiri kana Chokera uye Shokera inowanikwa panosvinwa muto wenzimbe uchizopiswa mvura yacho posara magodo. MuZimbabwe shuga inogadzirwa kubva kunzimbe dzinorimwa kuChiredzi.
BERJAYA

 
BERJAYA

BERJAYA
Chidzidzo cheMwedzi Unowu
BERJAYA
Afurika ndiro ziwumbe riri panzvimbo yechipiri pakukura kwenharaunda uye Afurika ndiyo yechipiri pakuwanda kwehugari hwavanhu ichitevera Ezhiya. Nharaunda ye Afurika yakakura kusvika 30.2 miriyoni km², izvi zvichisanganisira zvitsuwa zviri pedyo nayo. Chikamu chinosvika 6% yenharaunda ye Rinopasi chinotorwa ne ziwumbe reAfurika uye chikamu chinosvika 20.4% chevhu chiri muAfurika.

Afurika yakapoteredzwa ne: Bhahari re Medhiteraniya kuMaodzanyemba; Gungwa re India kuMabvazuva nekuChamhembe; ne Gungwa re Atlandiki kuMadokero nekuChamhembe. Matagadzikwa (Madhagaska) ndiyo chitsuwa chikuru chinoverengwa kuva mudunhu re Afurika. Zvimwe zvitsuwa zvinosanganisira: Seyisheri; Morishasi; Kabho Vherite; Ghini Yomutsazanisi; Chitsuwa cha Robheni (kureva Robben); Zanzibhari nezvimwewo zvidiki. (werengai zvakadzama...)


BERJAYA
Mimwe Mwishumo ye Wikipidhiya
Bwaro re Wikimidhiya iduramazwi rakazvimirira pazasi peBwaro re Wikimidhiya, zvzvinoreva kuti inomaneja mimwe mwishumo (mapurojekti) yakadorongodzwa zasiyo. Parizvino, mwishumo inowanikwa muChishona iWikipidhiya basi, tirikuzama kudzosa Wikiduramazwi rakavharwa muna 2007. Nwadhi riripo asi harisati ravenezvinyorwa mukati. Mamwe ariko anowanikwa mumimwe mitauro, senge Chingezi nezvimwe wo.
BERJAYA
Zvinjee (Zvikomoni)
Unganidzo re mifananidzo ne maodhiyo eunjee.
BERJAYA
Meta-wiki
Kurongwa kwe zviitwa zvose zve wikimidhiya.
BERJAYA
Wikiduramazwi
Duramazwi.
BERJAYA
Wikinwadhi
Manwadhi ne zvinyorwa zvekudzidza zvemahara.
BERJAYA
Wikidzupuramanzwi
Unganidzo re madzupuramanzwi
BERJAYA
Wikivambo (Wikisosi)
Kuvamagwaro re mahara.
BERJAYA
Wikirudzi
Duramazwi re marudzi (maspishi).
BERJAYA
Wikichikoro
Zvidzidzo ne zvokuita zvemahara.
BERJAYA
Wikinhau
Nhau dze mahara.


BERJAYA
Mimwe mitauro ye Afurika isiri pakati pe dzihombe:
Chiamhari · Chibhambara · Chibhunu · Chichewa · Chitumbuka · Chiewe · Chifulani· Chikũyũ · Chihausa · Chiigbho · Chixhosa · Chizulu · Chinyarwanda · Chirundi · Chiswahiri · Chikongo · Chingala · Chiganda · Chimalagasi · Chioromo · Chisangho · Chisutu · Chitswana · Chiswati · Chisomari · Chitigire · Chivhenda · Chitwi · Chiworofu · Chitsonga · Chiyorubha ·
(Tarisai bhaa repadivi kuti muone mamwe mapeji eWikipedhiya)